Psalms 90

BHUKU 4

Mapisarema 90–106

Munyengetero waMozisi munhu waMwari.

1Jehovha, imi makava ugaro hwedu
kuzvizvarwa zvose.
2Makomo asati azvarwa
uye musati mabudisa nyika nepasi rose,
kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.

3Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti,
“Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”
4Nokuti pamberi penyu makore chiuru
akangofanana nezuva richangopfuura,
kana senguva yokurinda usiku.
5Munokukura vanhu pakuvata kworufu;
vakaita sebundo idzva ramangwanani,
6kunyange richimera riri idzva mangwanani,
nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.

7Tapera nokutsamwa kwenyu
uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.
8Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu,
makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.
9Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu;
tinopedza makore edu nokuchema.
10Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe,
kana makumi masere, kana tiine simba;
kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa,
nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.

11Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu?
Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.
12Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,
kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

13Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko?
Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.
14Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi,
kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.
15Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza,
samakore mazhinji atakaona nhamo.
16Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu,
nokubwinya kwenyu kuvana vavo.

17Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;
tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,
simbisai basa ramaoko edu.
Copyright information for SnaBDSC